dcsimg

Mbiti ( Shona )

provided by wikipedia emerging_languages
 src=
Mbiti

Mbiti (Otter in English) imhuka yemusango iri pamupanda wemhuka dzinoyamwisa. Mbiti inoita nguva huru iri mumvura zvakare. Mbiti iri mumhuri imwe chete nechidembo. Vamwe vanodana mbiti nemazita anoti: mbinza, nzidzi kana denhe.

Mbiti inotakura pamuviri kwemazuva 86. Mbiti nzvari dzinoyaruka zvokukwanisa kuita vana dzave nemakore maviri (2) okuzvarwa, hono dzacho dzinokwanisa kuita vana dzave nemakore matatu ekuzvarwa. Kwapera mwedzi mumwe (1), mbiti yazvarwa inokwanisa kubuda mubako.

Nguva zhinji munhu anotukwa kunzi "uri mbiti" kana achinge aita zvisiri izvo, kana kuti zvinosembura.

Mitauro yeBantu

  • Vatauri veIsiZulu vanoti intini kana izintini pakuwanda (n. otter) vachireva mbiti.
license
cc-by-sa-3.0
copyright
Wikipedia vanyori nevagadziri

Mbiti: Brief Summary ( Shona )

provided by wikipedia emerging_languages
 src= Mbiti