Garwe, ngwena, gambinga, gomombo (crocodile in English) imhuka inogara mumvura inowanikwa munzvimbo inodziya ye "tropics" mumatunhu ari kuAfrica, Asia neAustralia. Makarwe anogara mumvura isina munyu munzizi, nyanza, madziva nematoro.
Makarwe anodya nyama inosanganisira hove; mhuka dzemumvura nemhuka dzepadunhu. Mune dzimwe nyika makarwe anopfuyiwa pamapurazi, matehwe acho achizoshandiswa kugadzira shangu nemabheki emadzimai. Nyama yemuskwe wegarwe inokosheswa semutakunanzva kunzvimbo dzinoshanyirwa dzakaita se Victoria Falls. Nyama iyi inotaridzika senyama yehuku.
Kune mazita emhuri ane chekuita negarwe. Mamwe ndiwo anoti: Garwe, Ngwena, Gambinga, Gushungo.
Garwe, ngwena, gambinga, gomombo (crocodile in English) imhuka inogara mumvura inowanikwa munzvimbo inodziya ye "tropics" mumatunhu ari kuAfrica, Asia neAustralia. Makarwe anogara mumvura isina munyu munzizi, nyanza, madziva nematoro.
Makarwe anodya nyama inosanganisira hove; mhuka dzemumvura nemhuka dzepadunhu. Mune dzimwe nyika makarwe anopfuyiwa pamapurazi, matehwe acho achizoshandiswa kugadzira shangu nemabheki emadzimai. Nyama yemuskwe wegarwe inokosheswa semutakunanzva kunzvimbo dzinoshanyirwa dzakaita se Victoria Falls. Nyama iyi inotaridzika senyama yehuku.
Mwana wegarwe anonzi ganyamatope.